2 Kings 9:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Ahazia mambo waJuda, wakati aciɀiʋona, akatiza nenzira yakapfuʋura napaimba yomunda, Jehu akamuteʋera, akati: Muʋuraye naiye ʋo muŋgoro. Ʋakamuɓaya pajiŋga pegomo reGuri riri paIbreami. Akatizira Megido, akafira’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahazia mambo weJudha akati aona zvakanga zvaitika, akatiza nenzira yokuBheti Hagani. Jehu akamudzingirira, achidanidzira achiti, “Muurayei naiyewo!” Vakamukuvadza ari mungoro yake ari munzira yaienda nokuGuri pedyo neIbhiremi, asi akapunyuka akaenda kuMegidho akandofira ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahaziya mambo wokwaJudha paakaona izvozvi akati ware kutiza onanga kuBhetihagani. Jehu akamudzingirira achiti, “Kana iyeyo uyo, mupfurei!” Vakamupfura ari mungoro iya okwira makata okuGuru pedyo neIbhereamu iye ndiye ware kutizira kuMegidho akafirako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, “Muuraye naiyewo mungoro.” Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.
Shona 2009?
Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, "Muuraye naiyewo mungoro." Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, “Muuraye naiyewo mungoro.” Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.