2 Kings 9:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehu wakati acipinda napasuʋo, akati: Kunorugare here, nhai iwe Zimri, muʋurayi watenzi wako?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehu akati achipinda pasuo, Jezebheri akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Zimuri, iwe muurayi watenzi wako?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehu akati achipinda pasuo guru, Jezebhero akati, “Kutsvene here nhai Zimuri, munhu anouraya tenzi wake?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehu akati achipinda napasuo, akati, “Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?”
Shona 2009?
Zvino Jehu akati achipinda napasuo, akati, "Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehu akati achipinda napasuwo, akati, “Kuno rugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?”