2 Kings 9:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akaɗira mafuta pamusoro wake, akati kwaari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakuzodza uʋe mambo waʋanhu ʋaJehova, iʋo ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehu akasimuka akapinda mumba. Ipapo muprofita akadira mafuta pamusoro waJehu akati, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: ‘Ndakuzodza kuti uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo akasimuka akapinda mumba, muporofita uyu, jaya riye rikadira mafuta mumusoro make rikati kwaari, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakugadza kuva mambo wavanhu vaTenzi, vaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Ndakuzodza uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.’
Shona 2009?
Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Ndakakuzodza uve, mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.'
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Ndakuzodza uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo VaIsiraeri.’