2 Peter 1:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti hatina‐kuteʋera ŋgano dzokufuŋgwa nenjere, ŋguʋa yatakakuziʋisai simba nokuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu, asi takaŋga tiri ʋanhu ʋakaʋona ʋumambo bgake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hatina kutevedza ngano dzokungofungira patakakuzivisai nezvesimba uye nezvekuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Takanga tiri zvapupu zvakazvionera nameso ukuru ukuru hwake
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona humambo hwake.
Shona 2009?
Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona vumambo bwake.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona umambo hwake.