2 Peter 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubginya naMŋari, Ƃaɓa, paŋguʋa iya, yakaʋuya inzwi rakaɗai kwaari, ricibva kukubginya kukuru‐kuru, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti paakapiwa rukudzo nembiri naMwari Baba izwi rakauya kwaari richibva mukupenya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye zvikuru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.”
Shona 2009?
Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakavuya inzwi rakadai kwaari.richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikamwa, unondifadza kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru–kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.”