2 Peter 1:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye tineshoko roʋuprofita rakasimba kwaɀo, ramunoita ɀakanaka kana muciriterera, rakaita somŋenje unovenekera munerima, kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka, nenyamasase iciɓuɗira mŋoyo yenyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo tine shoko rechiporofita rakanyatsosimbisiswa. Zviri nani kwamuri kuriteerera semwenje unovheneka munzvimbo ine rima kusvikira zuva rabuda uye hweva yabuda mumwoyo menyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu;
Shona 2009?
uye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu;
Shona SUB 2002 Bible
Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu;