2 Peter 1:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti nesimba roʋuMŋari bgake takapiwa ɀose ɀinoɗikanwa paʋupenyu napakunamata Mŋari, nenzira yokumuziʋa iye wakatiɗana nokubginya kwake nokunaka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simba rake rouMwari rakatiwanisa zvinhu zvose zvinopa upenyu uye unamati hwechokwadi pamusana pokuziva iye akatidaidza kumbiri yake nokurunako rwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti nesimba rouMwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa muhupenyu nomukunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye akatidana nokubwinya kwake nokunaka;
Shona 2009?
nokuti nesimba rovuMwari bwake takapiwa zvose zvinodikamwa pavupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka;
Shona SUB 2002 Bible
nokuti nesimba rouMwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa muupenyu nomukunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye akatidana nokubwinya kwake nokunaka;