2 Peter 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana muneɀinhu iɀi, ɀiciramba ɀiciwanzwa, ɀicakuitai ʋanhu ʋasinoʋusimbe naʋasiŋgashaiwi ɀiɓereko pakuziʋa Ishe weɗu, Jesu Kristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musingashayiwi zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti kana zvinhu izvi muinazvo zvakawanda hamuzoshaya chimuko kana kushaya muchero mukuziva Tenzi wedu Jesu Kristu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko mukuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
Shona 2009?
Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasinovusimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko mukuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.