2 Peter 1:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munhu, usinaiɀoɀi iɓofu, unoʋona ɀiri pedyo ɓedzi, wakaŋganwa kusukwa kweɀiʋi ɀake ɀakare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi ani naani zvake anenge asina zvinhu izvi, ibofu, munhu asingaoni zvinhu nemazvo uye atokanganwa kuti akacheneswa pazvitadzo zvake zvakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munhu, asina izvozvi ibofu, anoona zviri pedyo bedzi, akanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.
Shona 2009?
Nokuti munhu, usina izvozvi ibofu, unovona zviri pedo bedzi, wakangamwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munhu, asina izvozvi ibofu, anoona zviri pedyo bedzi, akanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.