2 Peter 2:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi wakarairwa pamsoro pokuɗarika kwake, nokuti mboŋgoro, isiŋgagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadziʋisa kupeŋga kwomuprofita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi akatsiurwa nembongoro nokuda kwokuita kwake zvakaipa, mhuka isina mutauro yakataura nenzwi romunhu uye ikadzivisa kupenga kwomuprofita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi akatsiurwa pakukanganisa kwake. Dhongi risingatauri rakataura nezwi romunhu rikadzora muporofita pakupenga kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi akarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nezwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
Shona 2009?
asi wakarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadzivisa kupenga komuporofita.
Shona SUB 2002 Bible
asi akarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nezwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.