2 Peter 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iʋo, kana nenzira yokuziʋa Ishe, Muponesi Jesu Kristu, ʋambotiza haʋo ɀinoȿiɓisa ɀenyika, kana ʋakaɓatwa nokukundwa ɀe naɀo, kuguma kwaʋo kwaipa kupfuʋura kutaŋga kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti kana vapunyuka zvinosvibisa panyika pamusana pokuziva Tenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu, vanobatwazve nazvo nokukurirwa nazvo. Magumo avo anoipa kupinda aya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo.
Shona 2009?
Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwa zve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuvura kutanga kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo.