2 Peter 2:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akasarega ʋo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamŋe cete naʋamŋe ʋanomŋe, ŋguʋa yaakaʋuyisa mvura zhinji panyika yaʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgaɗi Mŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange asina kurega kuranga nyika iya yakare asi akachengetedza Nowa muparidzi oururami navamwe vanhu vanomwe, paakaunza mafashamo emvura panyika yavanhu vasinganamati Mwari,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akasaregawo nyika yekare asi akaponesa Noa muparidzi wokururama pamwechete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;
Shona 2009?
akasarega vo nyika yekare, asi wakaponesa Nowa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakavuyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;
Shona SUB 2002 Bible
akasaregawo nyika yekare asi akaponesa Nowa muparidzi wokururama pamwechete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;