2 Peter 3:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ʋaɗikanwa, ɀamunotarira ɀinhu iɀi, shiŋgairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruʋara, musinemhoȿa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka zvino, hama dzinodikanwa, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vadikanwi, sezvamuri kumirira izvi, vavarirai kwazvo kuti akuwanei musina kana kavara kana chinoshoreka uye mune rugare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka vadikanwi, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye muno rugare, musina ruvara, musina mhosva;
Shona 2009?
Saka vadikamwa, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruvara, musinemhosva;
Shona SUB 2002 Bible
Saka vadikanwi, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye muno rugare, musina ruvara, musina mhosva;