2 Samuel 1:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndikamira kwaari, ndikamuʋuraya, nokuti ndakaŋga ndiciziʋa kwaɀo kuti haaŋgararami, kana aciŋge awira pasi; ndikatora korona yakaŋga iri pamusoro wake, norundarira rwaiʋa paruʋoko rwake, ndikaʋuya naɀo pano kunashe waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvowo ndakandomira paakanga ari ndokubva ndamupedzisa nokuti ndakanga ndanyatsoona kuti haamborarama namawiro aakanga akaita pasi kudaro. Ndakatora ngundu yakanga iri mumusoro make netsambo yaiva muruoko rwake. Ndauya nazvo kwamuri changamire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.”
Shona 2009?
"Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu."
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.”