2 Samuel 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakacema, nokuwuŋgudza, nokuɀinyima ɀokudya kuȿikira maɗeko pamsoro paSauro naJonatani mŋanakomana wake, napamsoro paʋanhu ʋaJehova, napamsoro peimba yaIsraeri, nokuti ʋakaŋga ʋaʋurawa nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakachema Sauro nomwanakomana wake Jonatani navanhu vaTenzi nemhuri yose yeIsiraeri nokuti vakanga varakatiswa kuuraiwa namapakatwa. Vakahwihwidza kuchema vakatsanya kusvikira manheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakachema, nokuungudza, nokuzvinyima zvokudya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurawa nomunondo.
Shona 2009?
Vakachema, nokuungudza, nokutsanya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurawa nomunondo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakachema, nokuungudza, nokuzvinyima zvokudya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo.