2 Samuel 1:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino nezuʋa retatu mumŋe munhu wakaȿika acibva kumisasa kunaSauro, ŋguʋo dzake dzakabvaruka, ʋuye anevu pamusoro wake; akati aciȿika kunaDavidi, akaɀiwisira pasi, akanamata kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake zvakabvaruka uye musoro wake uzere guruva. Paakasvika paiva naDhavhidhi, akazviwisira pasi achiratidza rukudzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechitatu racho, ndiye vhu mumwe murume achibva kumatendhe okwaSauro, aine hembe dzakabvaruka, nehuruva mumusoro. Paakasvika kuna Dhavhidhi, akati pasi gwadagwa achimuremekedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.
Shona 2009?
Zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguvo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.