2 Samuel 1:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwandiri: Mira ʋuno kwandiri, undiʋuraye, nokuti ndaɓatwa nedzuŋgu kwaɀo, nokuti ʋupenyu bgaŋgu bguciri mandiri cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akanditi, “Uya umire pandiri pano uchindipedzisa zvako nokuti ndatambura ini asi mweya wangu warambirira mandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwandiri, ‘Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.’
Shona 2009?
Akati kwandiri, `Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.'
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwandiri, ‘Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.’