2 Samuel 10:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hadarezeri akatuma ʋanhu kundotora ʋaSiria ʋakaŋga ʋari mhiri kwoRwizi, ʋakaȿika paHerami, ʋakatuŋgamirirwa naShobaki mukuru wehondo yaHadarezeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hadhadhezari akakokera vaAramu kubva mhiri kwoRwizi; vakaenda kuHeramu vachitungamirirwa naShobhaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hadhadhiezeru akatumira nhume dzikauya nevaSiria vokumhiri kwaYufuratesi. Vakauya kuHeramu vachitungamirirwa naShobaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora vaSiria vakanga vari mhiri kwoRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri.
Shona 2009?
Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora vaSiria vakanga vari mhiri koRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri.
Shona SUB 2002 Bible
Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora VaSiria vakanga vari mhiri kweRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri.