2 Samuel 10:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaSiria ʋakatiza pamberi paʋaIsraeri; Davidi akaʋuraya kuʋaSiria ʋarume ʋeŋgoro dzinamazana manomŋe, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, akaʋuraya ʋo Shobaki mukuru wehondo yaʋo, akafira’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vakatiza pamberi pavaIsraeri, Dhavhidhi akauraya mazana manomwe avachairi vengoro dzamabhiza nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akabaya Shobhaki mutungamiri wehondo yavo, akafira ipapo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaSiria vakabva vaparamuka kutiza Isiraeri. Dhavhidhi akarakatisa kuuraya vachairi vechiSiria vengoro dzehondo mazana manomwe pamwechete navarwi vemabhiza makumi mana ezviuru. Vakakuvadzawo Shobaki mutungamiriri wehondo akabva afira ipapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuvaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo.
Shona 2009?
VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuvaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo.
Shona SUB 2002 Bible
VaSiria vakatiza pamberi paVaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuVaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo.