2 Samuel 10:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akati: Ndicaitira Hanuni mŋanakomana waNahashi ɀakanaka, seɀandakaitirwa ɀakanaka naɓaɓa ʋake. Naiɀoɀo Davidi akatuma ʋaranda ʋake kumuɓata ruʋoko pamsoro paɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakaȿika kunyika yaʋana ʋaAmoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana wavaNahashi, mwoyo wandakaitirwawo nababa vake.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma makurukota ake kundomubata maoko pamusana pababa vake. Makurukota aDhavhidhi akasvika munyika yevaAmoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akati, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akati, "Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake." Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akati, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni.