2 Samuel 10:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaʋudza Davidi iɀoɀo, akatuma ʋanhu kundosoŋgana naʋo; nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋacinyara kwaɀo. Mambo akati: Garai henyu Jeriko kuȿikira ndebvu dzenyu dzamera ɀe, mugodzoka henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Dhavhidhi akati audzwa nezvazvo, akatuma nhume kundosangana navarume ava, nokuti vakanga vanyadziswa zvikuru. Mambo akati, “Chimbogarai henyu paJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzakura, mugozouya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka zvenyu kuno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, “Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.”
Shona 2009?
Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, "Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, “Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.”