2 Samuel 10:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋoʋeŋgwa naDavidi, ʋana ʋaAmoni ʋakatuma nhume ʋakaripira ʋaSiria ʋeBeti‐rehobi, naʋaSiria ʋeZoba, ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri, namambo weMaaka anaʋarume ʋanecuru cimŋe, naʋarume ʋeTobi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaAmoni pavakaziva kuti vakanga vonhuwa pamberi paDhavhidhi, vakatenga varwi vetsoka zviuru makumi maviri zvavaAramu kubva kuBheti Rehobhi neZobha, pamwe chete namambo weMaaka navarume chiuru chimwe, uye navarume zviuru gumi nezviviri vaibva kuTobhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi, vaAmoni ava vakatuma nhume kundokumbira varwi vachiita zvokutobhadhara mari kuvaSiria vokuBhetirehobhu nevaSiria vokuZobha. Vakawana makumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka vakati mambo wokuMaoka auyewo navarume chiuru chimwechete uyewo varume vokuTobhu gumi rezviuru rine zviuru zviviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, navaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
Shona 2009?
Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, navaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, naVaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri.