2 Samuel 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi akamuɗana, akadya nokunwa pamberi pake, akamuɓatisa neɗoro; ɀino maɗeko akaɓuɗa akandoʋata panhoʋo dzake naʋaranda ʋashe wake, asi haana‐kuɓurukira kumba kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akamukoka, iye akadya nokunwa pamwechete naye akasvika pakutomuraradzisa. Asi manheru acho Uriya akaenda akandorara pauriri hwake pamwechete navaranda vatenzi wake. Haana kudzika kumba kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokunwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhoo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokumwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhovo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokunwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino usiku akabuda akandovata panhoo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.