2 Samuel 11:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko wakaʋuraya Abimereki mŋanakomana waJerbesheti? Wakaŋga asiri mukadzi wakakanda huyo pamsoro pake ari paruȿiŋgo, akafira paTebezi here? Makasweɗerereiko pedyo ɀikuru noruȿiŋgo? Ipapo iwe uti: Muranda wenyu Uria muHiti, wafa ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti ndiani? Haasiri mukadzi here akamudonhedzera huyo pamusoro kubva parusvingo akafira kuTebhezi? Chamakanga moenderawo pedyo norusvingo chii? Imi mobva mati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo wani.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedyo zvikuru norusvingo?’ Ipapo iwe uti, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.’ ”
Shona 2009?
Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedo zvikuru norusvingo?' Ipapo iwe uti, `Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedyo zvikuru norusvingo?’ Ipapo iwe uti, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.’ ”