2 Samuel 11:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhume ikati kunaDavidi: Ʋarume aʋo ʋakatikurira, ʋakaɓuɗira kwatiri kusaŋgo, tikaʋadziŋgirira kuȿikira paʋanopinda napo pasuʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Vanhu ivavo vakambotikurira vakatibudira vachitivinga musango. Asi takazodzingirirana navo kusvikira kusuo guru reguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhume ikati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuo.
Shona 2009?
Nhume ikati kuna Dhavhidhi, "Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuo.
Shona SUB 2002 Bible
Nhume ikati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuwo.