2 Samuel 11:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi akati kunhume: Iti kunaJoabi: Iɀi ŋgaɀirege kukushuwisa, nokuti munondo unoparadza mumŋe pano nomumŋe kumŋe; tsuŋga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kunhume iyi, “Enda undoti kuna Joabhu izvi, ngazvirege kukutambudza zvako nokuti hondo inotora wayada. Rwisai nesimba muparadze guta iroro, umutaurire uchimusimbaradza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, “Iti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.’ ”
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, "Iti kuna Joabhu, `Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, “Iti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.’ ”