2 Samuel 11:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati apedza kucema, Davidi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akaʋa mukadzi wake, akamuɓerekera mŋanakomana. Asi cinhu ici, cakaŋga caitwa naDavidi, hacina‐kufadza Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti nguva yokuchema kuya yapera, Dhavhidhi akati aunzwe kumba kwake, akava mukadzi wake akamuberekera mwana mukomana. Asi zvakanga zvaitwa naDhavhidhi izvi hazvina kufadza Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.
Shona 2009?
Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwana komana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.