2 Samuel 12:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akatuma Natani kunaDavidi. Akaȿika kwaari, akati kwaari: Kwakaŋga kunaʋarume ʋaʋiri muguta rimŋe; mumŋe wakaŋga akafuma, asi mumŋe wakaŋga ari murombo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari, akataura akati, “Pakanga pana varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari akamuti, “Kwaiva navamwe varume vaviri mune rimwe guta. Mumwe aiva mupfumi mumwe ari murombo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, “Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akapfuma, asi mumwe wakanga ari murombo.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, "Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akafuma, asi mumwe wakanga ari murombo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, “Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akapfuma, asi mumwe wakanga ari murombo.