2 Samuel 12:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ndicakumutsira ɀakaipa ɀicabva mumba mako, ndicatora ʋakadzi ʋako pamberi pako ndiciʋapa waugere naye, iye ucaʋata naʋakadzi ʋako masikati macena.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha, ‘Kubva mumba mako chaimo ndichauyisa njodzi pamusoro pako. Ndichatora vakadzi vako iwe wakatarira ndigovapa kuno mumwe ari pedyo newe, uye acharara navo masikati machena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa unzwe ndichakumutsira zvimwe zvakaipa mumba mako chaimo. Ndichakutorera vakadzi vako iwe wakatarisa nameso ako ndovapa kune mumwe wako. Iye acharara navakadzi vako masikati machena
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, ‘Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, `Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, ‘Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.