2 Samuel 12:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, ɀawakaɓatsira kwaɀo ʋaʋeŋgi ʋaJehova kumumhura necinhu ici cawaita, uyo mŋana wawaɓerekerwa, ɀirokwaɀo ucafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwokuti waita izvi, waita kuti vavengi vaJehovha vamuzvidze kwazvo, mwanakomana uyu wauchaberekerwa achafa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvakadaro zvazvo, pamusana pokuti makatoshora Tenzi zvikuru kwazvo nezvamakaita izvozvo, mwana mukomana wamuchaberekerwa anofanira kutoti afe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.”
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa."
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.”