2 Samuel 12:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa recinomŋe mŋana akafa. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakatya kumuʋudza kuti mŋana wafa, nokuti ʋakati: Tarirai, mŋana aciri mupenyu, takataura naye, akasaterera manzwi eɗu; ɀino ucatambudzika seiko, kana tikamuʋudza kuti mŋana wafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana akanga afa, nokuti vakafunga kuti, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, takataura naDhavhidhi asi haana kuda kutiteerera. Zvino tichamuudza sei kuti mwana afa? Achazvikuvadza zvikada.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe mwana uyu ndiye sarai. Makurukota aDhavhidhi akatya kumutaurira kuti mwana wafa vachiti, “Tarisai muone mwana paakanga achiri mupenyu takataura naDhavhidhi asi akaramba kutinzwa. Ko kuzoti iyezvino, tingamutaurire sei kuti mwana afa. Angadaro akazvikuvadza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, “Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera mazwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.”
Shona 2009?
Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, "Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera manzwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, “Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera mazwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.”