2 Samuel 12:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Davidi wakati aciʋona kuti ʋaranda ʋake ʋanoita zeʋe‐zeʋe, Davidi akaziʋa kuti mŋana wafa; Davidi akati kuʋaranda ʋake: Mŋana wafa here? Iʋo ʋakati: Wafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akaona kuti varanda vake vakanga vachizevezerana ndokubva aziva kuti mwana akanga afa. Akabvunza akati, “Mwana afa kanhi?” Vakapindura vakati, “Hongu afa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Dhavhidhi paakaona makurukota ake achiita zevezeve vari pamwechete, Dhavhidhi akabva azivawo kuti mwana wafa. Dhavhidhi akati kumakurukota ake, “Mwana wafasu?” Ivo vakati, “Watisiya uya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve‐zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, “Mwana wafa here?” Ivo vakati, “Wafa.”
Shona 2009?
Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve-zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, "Mwana wafa here?" Ivo vakati, "Wafa."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zevezeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, “Mwana wafa here?” Ivo vakati, “Wafa.”