2 Samuel 12:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimŋe ŋguʋo, akapinda mumba maJehova, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira ɀokudya, ʋakamupa, akadya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akamuka pasi paakanga ari. Mushure mokunge ashamba, akazora mafuta, uye akapfeka zvimwe zvipfeko, akapinda mumba maJehovha akanamata. Ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya vakamupa, akadya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati pasi kwanyanu akashamba akazvizora mafuta akapfeka dzimwe hanzu. Akapinda mumba yaTenzi akanamata. Akadzokera zvake kumba kwake. Akakumbira vakamugadzikira chokudya akadya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguvo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.