2 Samuel 12:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Ndokuɗiniko? Aciri mupenyu makaɀinyima ɀokudya, mukacema mŋana, asi ɀino mŋana wakati afa, mukasimuka mukadya ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varanda vake vakamubvunza vakati, “Ko, muri kuitirei zvinhu zvakadai? Mwana paakanga achiri mupenyu makatsanya uye mukachema, asi zvino mwana afa, momuka modya!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makurukota ake akati kwaari, “Zvamaita izvi zvinorevei? Manga muchitsanya muchichema mwana paanga achiri mupenyu. Asi pazofa mwana masimuka mukadya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo varanda vake vakati kwaari, “Ndokudiniko? Achiri mupenyu makazvinyima zvokudya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.”
Shona 2009?
Ipapo varanda vake vakati kwaari, "Ndokudiniko? Achiri mupenyu makatsanya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo varanda vake vakati kwaari, “Ndokudiniko? Achiri mupenyu makazvinyima zvokudya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.”