2 Samuel 12:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akanyaradza mukadzi wake Bati‐sheba, akapinda kwaari, akaʋata naye, iye akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akaɗikanwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, uye akaenda kwaari akandorara naye. Akabereka mwanakomana, vakamutumidza kuti Soromoni. Jehovha akamuda;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha akapindazve mumba naye vakagara vose akazobereka mwana mukomana. Dhavhidhi akamutumidza zita rokuti Soromoni, Tenzi akamuda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha.
Shona 2009?
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikamwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha.