2 Samuel 12:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akabvisa korona yamambo waʋo pamusoro wake; iyo yakaȿika tarenta rimŋe rendarama pakurema kwayo, ʋuye yakaŋga inamabge anokosha, ikaiswa pamusoro waDavidi. Akapamba ɀizhinji kwaɀo paguta iro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvisa korona pamusoro wamambo wavo, kurema kwayo kwaisvika tarenda rimwe chetea uye yakanga yakanamirwa mabwe anokosha, uye yakaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo kubva muguta iri
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatorera mambo weko ngundu youmambo mumusoro yairema makumi matatu amakirogiramu ane makirogiramu mana endarama yakanga iine dombo rinokosha. Yakadzikwa mumusoro waDhavhidhi. Akakukucha zvinhu zvaakapamba mugutamo zvakawanda kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.
Shona 2009?
Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.
Shona SUB 2002 Bible
Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.