2 Samuel 12:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɓuɗisa ʋo ʋanhu ʋakaŋga ʋari’mo, akaʋaɓatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akaʋaseʋenzesa pakuita ɀitina; akaita saiɀoɀo namaguta ose aʋana ʋaAmoni. Davidi naʋanhu ʋose ʋakadzokera Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavapa basa ravaishanda namajeko, mapiki namatemo, uye akavapa basa rokukanya zvidhina. Akaita izvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yose vakadzokera kuJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatinha vanhu vakanga varimo akavaendesa kuchibharo kundoshanda namajeko namapiki namatemo esimbi. Akavakanyisa zvidhinha. Ndozvaakaita kumaguta ose evaAmoni. Dhavhidhi navarwi vose vakazodzokera zvavo kuJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible