2 Samuel 12:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mufambi wakati aciȿika kumufumi, iye akaramba kutora cipfuwo kumakwai ake kana kuŋombe dzake, kuti acigadzirire mufambi wakaŋga aȿika kwaari, asi wakatora gwaiana romurombo, akarigadzirira munhu wakaŋga aȿika kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino muenzi aipfuura hake akasvika kumupfumi uya, asi mupfumi uyu haana kuda kubata rimwe ramakwai ake kana mombe kuti agadzirire zvokudya mupfuuri uyu akanga asvika kwaari. Asi iye akatora gwayana romurombo akarigadzirira uya akanga asvika kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mupfumi uyu akasvikirwa nomweni. Haana kuda kubayira mweni uya akanga amushanyira mombe kana chimwe chipfuwo chomudanga make. Asi kutoti akatora hwayana iya yomurombo akabayira muenzi uya akanga amushanyira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mufambi wakati achisvika kumupfumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.”
Shona 2009?
Zvino mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mufambi wakati achisvika kumupfumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.”