2 Samuel 13:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Amnoni akati kunaTamari: Ʋuya neɀokudya muimba yokuʋata, kuti ndidye pamaʋoko ako. Tamari akatora ɀiŋgwa ɀaakaŋga aɓika, akaʋuya naɀo mumba mokuʋata maAmnoni hanɀadzi yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Amunoni ndokuti kuna Tamari, “Ndiigirewo zvokudya mumba muno kuti ndidye wakandibatirawo.” Tamari akatorawo zvingwa zvaakanga abika zviye ndokuigira hanzvadzi yake Amunoni mumba make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Amoni akati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako.” Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmoni hanzvadzi yake.
Shona 2009?
Amunoni akati kuna Tamari, "Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako." Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmunoni hanzvadzi yake.
Shona SUB 2002 Bible
Amoni akati kuna Tamari, “Uya nezvokudya mumba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako.” Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmoni hanzvadzi yake.