2 Samuel 13:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Kwete, nokuti cinhu ici cokundidziŋga cikuru kunececo cawandiitira. Asi wakaramba kumuterera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.” Asi iye akaramba kumuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akati, “Kweteka hanzvadzi, nokuti kundidzinga kwawava kuita uku chinhu chakaipa kutopinda zvawaita kwandiri.” Asi haana kumunzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira.” Asi wakaramba kumuteerera.
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira." Asi wakaramba kumuteerera.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kune checho chawandiitira.” Asi wakaramba kumuteerera.