2 Samuel 13:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye wakaŋga aneŋguʋo yakareɓa inamaʋoko, nokuti ʋakunda ʋamambo, ʋaiʋa mhandara, ʋaifuka ŋguʋo dzakaɗai. Muranda wake akamuɓuɗisa, akakiya mukoʋa abva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muranda wake akumubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo akanga akapfeka mujiza wake murefu una maoko marefu nokuti vakunda vamambo vainge vachine umhandara vaipfeka mijiza yakadaro. Muranda wake akabva amuburitsa panze ndokuisa chihuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye wakanga ane nguo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.
Shona 2009?
Zvino iye wakanga ane nguvo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguvo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye wakanga ane nguo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.