2 Samuel 13:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Tamari akaisa maɗota pamusoro wake, akabvarura ŋguʋo yake yakareɓa inamaʋoko, akaɓata ruʋoko rwake pamusoro wake, akaenda acicema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tamari akazvizodza madota akabvarura nguo inokosha yaakanga akapfeka. Akabata musoro wake ndokuenda achichema zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tamari akazvidira dota mumusoro akabvarura mujiza uye waakanga akapfeka akabata gotsi ndokuti mhere povo kuchema achienda kudaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.
Shona 2009?
Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguvo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.