2 Samuel 13:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Amnoni akatambudzika, akarwara pamsoro paTamari hanɀadzi yake; nokuti yakaŋga iri mhandara, Amnoni akaʋona kuti haaŋgamuiti cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Amunoni uyu akarwadziwa mwoyo chaizvo zvokutosvika pakurwara pamusana paTamari hanzvadzi yake. Zvakanga zviripo ndezvokuti sokuona kwaAmunoni hapana chaaigona kuita nokuti Tamari akanga achine umhandara hwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Amoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
Shona 2009?
Amunoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amunoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Amoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amoni akaona kuti haangamuiti chinhu.