2 Samuel 13:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Absaromi hanɀadzi yake, akati kwaari: Amnoni hanɀadzi yako wakaŋga ari kwauri here? Cinyarara hako, hanɀadzi yaŋgu; iye ihanɀadzi yako, usaɀidya mŋoyo nemhaka yecinhu ici. Naiɀoɀo Tamari akagara ari oga mumba maAbsaromi hanɀadzi yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hanzvadzi yake Abhusaromu akati kwaari, “Ko, ndiAmunoni, hanzvadzi yako, anga anewe here? Chinyarara zvako, hanzvadzi; iye ihanzvadzi yako. Usanyanyozvidya mwoyo nazvo.” Uye Tamari akagara mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake, akava mukadzi akasurukirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hanzvadzi yake, Abhusharomu akamuti, “Asi Amunoni hanzvadzi yako atorana newe here? Chinyarara zvako hanzvadzi, inga ihanzvadzi yako wani. Rega zvako kuzvidya mwoyo nazvo.” Nokudaro Tamari akazogara ari munhu akasuruvara kwazvo pamba pehanzvadzi yake Abhusharomu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, “Amoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya mwoyo nemhaka yechinhu ichi.” Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
Shona 2009?
Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, "Amunoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya moyo nemhaka yechinhu ichi." Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
Shona SUB 2002 Bible
Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, “Amoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya mwoyo nemhaka yechinhu ichi.” Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.