2 Samuel 13:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Absaromi akaenda kunamambo, akati: Tarirai ɀino, muranda wenyu unaʋaʋeʋuri ʋamakwai; ndinokumbira kuti mambo naʋaranda ʋake ʋaende nomuranda wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vavevuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu akasvika kuna Mambo akati, “Changamire, ini muranda wenyu ndine vaveuri vehwai. Zvino ndiri kukumbira kuti imi mambo namakurukota enyu tiende tose ikoko neni muranda wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, “Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.”
Shona 2009?
Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, "Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, “Tarirai zvino, muranda wenyu ana vaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.”