2 Samuel 13:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kunaAbsaromi: Kwete, mŋana waŋgu, ŋgatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi akati kuna Abhusharomu, “Kwete, mwanangu hatingaendiko tose tose, tingadaro tikakuremedza.” Abhusharomu akaramba ongovavarira kumukumbira; asi iye akaramba kuenda akamuti afambe zvake zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kuna Abhusaromu, “Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza.” Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
Shona 2009?
Mambo akati kuna Abhusaromu, "Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza." Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kuna Abhusaromu, “Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza.” Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.