2 Samuel 13:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Absaromi akati: Kana musiŋgaɗi henyu, ndinokumbira kuti mukoma waŋgu Amnoni aende nesu. Mambo akati kwaari: Iye unofanira kuendireiko newe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu munun'una wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko, nemi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu ndokuti, “Kana musingaende chiregai tiende nomunun'una wangu, Amunoni.” Mambo akamuti, “Chaunodira kuenda naye chacho chii?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Abhusaromu akati, “Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amoni aende nesu.” Mambo akati kwaari, “Iye unofanira kuendireiko newe?”
Shona 2009?
Zvino Abhusaromu akati, "Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amunoni aende nesu." Mambo akati kwaari, "Iye unofanira kuendireiko newe?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Abhusaromu akati, “Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amoni aende nesu.” Mambo akati kwaari, “Iye unofanira kuendireiko newe?”