2 Samuel 13:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Absaromi akaraira ʋaranda ʋake, akati: Tarirai ɀakanaka ɀino, kana mŋoyo waAmnoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri: Ʋurayai Amnoni! imi munofanira kumuʋuraya, musatya henyu; handizi’ni ndakakurairai here? Tsuŋgai, muʋe noʋumhare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu akati kuvaranda vake, “Munofanira kucherechedza Amunoni, kana zvino afarisa newaini, ini ndikakutii pfuudzai Amunoni, mobva mamupfuudza. Musatye, ndini ndinenge ndakutumai, muite chivindi, muite mwoyo wechirume.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, “Tarirai zvakanaka zvino, kana mwoyo waAmoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amoni!’ Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.”
Shona 2009?
Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, "Tarirai zvakanaka zvino, kana moyo waAmunoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, `Urayai Amunoni!' imwi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, “Tarirai zvakanaka zvino, kana mwoyo waAmoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amoni!’ Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.”