2 Samuel 13:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaranda ʋaAbsaromi ʋakaitira Amnoni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naAbsaromi. Ipapo ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋakasimuka, mumŋe nomumŋe akakwira mboŋgoro yake, ʋakatiza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo varanda vaAbhusharomu vakaita kuna Amunoni sezvavakanga vaudzwa naAbhusharomu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakati dzvamu warandanda votasva manyurusi avo votiza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
Shona 2009?
Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.