2 Samuel 13:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jonadabi, mŋanakomana waShimea, mukoma waDavidi, akapindura, akati: Ishe waŋgu ŋgaarege kuti ʋaʋuraya majaya ose, iʋo ʋana ʋamambo; nokuti Amnoni woga ndiye wafa, nokuti Absaromi wakaʋaʋarira iɀoɀo kubva pazuʋa rakaacinya hanɀadzi yake Tamari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi, akati, “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya machinda ake ose; Amunoni oga ndiye afa. Izvi zvakagara zviri muurongwa hwaAbhusaromu kubvira musi wakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari naAmunoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi akati, “Changamire regai zvenyu kufunga kuti vauraya majaya enyu ose, vana venyu mambo, nokuti Amunoni chete ndiye afa. Honzeri yacho ndiAbhusharomu anga ane pfundipfundi naye kubvira zuva raakabata hanzvadzi yake Tamari chibharo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, “Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.
Shona 2009?
Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, "Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amunoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, “Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.